Psalms 96

1Imbirai Jehovha rwiyo rutsva;
imbirai Jehovha, nyika yose.
2Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake;
paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.
3Paridzai kubwinya kwake pakati pendudzi,
namabasa ake anoshamisa pakati pamarudzi.

4Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa,
iye anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.
5Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo,
asi Jehovha akaita matenga.
6Kubwinya noumambo zviri pamberi pake;
simba nokubwinya zviri munzvimbo yake tsvene.

7Remekedzai Jehovha, imi ndudzi dzose,
ipai rukudzo nesimba kuna Jehovha.
8Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake;
uyai nechipiriso mugopinda pavanze dzake.
9Namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake;
dederai pamberi pake, imi nyika dzose.

10Muti pakati pendudzi, “Jehovha ndiye anobata ushe.”
Nyika yakanyatsosimbiswa, haingazungunuswi;
uye achatonga marudzi nokururama.
11Kudenga denga ngakufare, nyika ngaifarisise;
gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri;
12masango ngaafare, nezvose zviri maari.
Ipapo miti yose yesango ichaimba nomufaro;
13ichaimba pamberi paJehovha, nokuti anouya,
anouya kuzotonga nyika.
Achatonga nyika nokururama,
uye vanhu nechokwadi chake.
Copyright information for SnaBDSC